National Anthem – Zimbabwe Native Anthem Text Lyrics

1.Simudzai mureza wedu weZimbabwe

Yakazvarwa nomoto wechimurenga;

Neropa zhinji ramagamba

Tiidzivirire kumhandu dzose;

Ngaikomborerwe nyika yeZimbabwe.

2.Tarisai Zimbabwe nyika yakashongedzwa

Namakomo, nehova, zvinoyevedza

Mvura ngainaye, minda ipe mbesa

Vashandi vatuswe, ruzhinji rugutswe;

Ngaikomborerwe nyika yeZimbabwe.

3.Mwari ropafadzai nyika yeZimbabwe

Nyika yamadzitateguru edu tose;

Kubva Zambezi kusvika Limpopo,

Navatungamiri vave nenduramo;

Ngaikomborerwe nyika yeZimbabwe.

Sent by Carlos Andr? Pereira da Silva Branco

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *